Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoronga Kufumura veMabhizimisi Vakaburitsa Mari Kunze Zvisiri paMutemo


Doctor John Mangudya
Doctor John Mangudya

Gavhuna webhanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, Doctor John Mangudya, vanoti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vatambira chikumbiro chavo chekuti vambopa mavhiki maviri mabhanga evemabhizimisi vanonzi vakaburitsa mari zvisiri pamutemo nguva yekuti vagadzirise mapepa avo.

Nguva yekudzoswa kwemari iyi yange yapera musi wa 28 Kukadzi asi zvanzi zvizopetwa musi wa 16 Kurume mazita evanenge vasina kunge vaunza mari ozoburitswa pachena musi wa 19 Kukadzi.

Zvinonzi pane nyaya dzekuburitsa mari zvisiri pamutemo dzinosvika churu nezana nemakumi matanhatu nematanhatu dziri kuzivikanwa dzine mari inosvika bhiriyoni imwe chete nezviuru mazana matatu.

RBZ inoti kusvika pari zvino ine nyaya zana neshanu dzine mari inosvika mamiriyoni mazana maviri nemakumi mashanu emadhora dzapera kuongororwa mari ichidzorwa.

Mumashoko avo kuvatori venhau nemusi weChishanu, VaMnangagwa vakatenda kuti vainge vapa Doctor Mangudya nguva yavakumbira yekukwenenzvera mapepa.

Doctor John Mangudya vanoti vari kufara zvikuru nehuwandu hwevanhu vadzora mari kusvika parizvino.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi vanotungamira bato rinopikisa rePepople's Democratic Party uye vaimbova gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vanoti zviri kuitwa nehurumende zvinonetsa pamutemo sezvo zviri kuitwa zvichityora bumbiro remutemo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG