Accessibility links

Breaking News

Vakarwa Hondo yeRusungun Vofa Vachidya Nhoko dzeZvironda


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Vaimbova murwiri wehondo yerusununguko, Amai Margaret Dongo vanoti havasi kufara nezviri kuitwa nehurumende mukugadzirisa zvido zvevanhu vakarwa hondo yerusununguko.

Mashoko aya ari kuuya apo mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kutarisirwa kuita musangano nevakarwa hondo yerusununguko ava kuti vazeye nezvematabudziko avo.

Asi Amai Dongo vanoti nyaya yekushaya mari dzekurapwa iri kupa kuti vaive varwi vehondo yerusununguko vakawanda vafe nezvirwere zvinokwanisa kurapwa.

Vatiwo zvainge zvakakosha kuti hurumende itevedzerewo zvinoitwa nedzimwe nyika dzakabudirira dzakaita seAmerica idzo dzine zvipatara zvevakarwa hondo ava.

Vatiwo varwi vehondo yerusununguko vakashandiswa pakutora minda kubva kuvachena iyo yakazotorwa nevematongerwo enyika mushure mekunge vachena vadzingwa.

Muna 1997, hurumende yakambopa varwi vehondo yerusununguko ava mari inosvika zviuru makumi mashanu zvemadhora asi vakarwa hondo ava vanoti iyi yaive mari shoma zvikuru zvichienzainswa nezvinoitwa nedzimwe nyika.

Amai Dongo vati vakarwa hondo vakawana mari dzezvikwereti vanokwanisa kuzviitira mabasa avo pasina kuda kuzembera hurumende.

Hurukuro naAmai Margaret Dongo
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG