Mutungamiri wesangano ravanachiremba reZimbabwe Hospital Doctors Association Dr Mxolisi Ngwenya varamba mashoko ari kutaurwa negurukota rezvehutano Dr David Parirenyatwa ekuti vanachiremba vave kudzokera kumabasa sezvo zvichemo zvavo zvagadziriswa.
Dr Parirenyatwa vanoti veHealth Services Board vanoona nezvemashandiro avanachiremba vange vagadzirisa zvichemo zvavo zvinosanganisa mari dzavanotambira nezvimwe.
Zvipatara zvakatarisana nedambudziko rekushaya vanachiremba zvinosanganisa Parirenyatwa Group of Hospitals, Mpilo, UBH, Chitungwiza neHarare Central kana kuti Gomo.
Vanachiremba vakatanga kuramwa mabasa musi wa 1 Kurume. Dr Ngwenya vaudza Studio 7 kuti hurumende inenge inongovateerera kana varamwa mabasa chete. Vati zvichemo zvavo zvave nemakore asi pasina chinogadziriswa.
Facebook Forum