Accessibility links

Breaking News

VaItai Dzamara Vosvika Makore Matatu Nhasi Vapambwa


VaItai Dzamara
VaItai Dzamara

Nhasi mhuri yekwaItai Dzamara, vezvematongerwo enyika, vemachechi nevanorwira kodzero dzevanhu vari kutarisirwa kuungana muAfrica Unity Square vachirangarira murwiri wekodzero dzevanhu VaDzamara avo vakapambwa muna 2015.

VaDzamara vasvika makore matatu pasina anoziva kuti vari kupi. Vakapambwa apo vaigerwa pedyo nemba yavo kuGlen View muHarare nevanhu vanofungidzirwa kuti vasori.

VaDzamara vairatidzira vachiti vaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vaifanira kusiya basa sezvo vainge vakundikana kutonga nyika. Vaigarawo vachitaura neStudio 7.

Imwe shamwari yaVaDzamara vachiita zvemitambo uye vakambopambwawo VaSilvanos Mudzvova vanoti zvakakosha kuti vaungane vakawanda vachirangarira VaDzamara.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG