Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzozeya Zvirango Zvakatemera Zimbabwe neAmerica


VaDonald Trump
VaDonald Trump

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi nekudyidzana nedzimwe nyika dzinoti zvakakosha kuti Zimbabwe igadzirise hukama hwayo nenyika yeAmerica iyo inopa Zimbabwe rubatsiro rwakakuririsa kudarika dzimwe nyika dzose.

Asi hukama uhu hauna kufamba zvakanaka kubva muna 2001 apo Zimbabwe yakatemerwa zvirango ichipomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevanhu nekubirira sarudzo.

America yakabva yadzika mutemo unonzi Zimbabwe Democracy and Economic Recovery Act kana kuti ZIDERA muna 2001 wakanangana nekumanikidza Zimbabwe kudzoka mugwara rehutongo hwejekerere.

Seneta Bill Frist vebato remaRepublican vari vekuTennessee, uye VaRus Feingold vebato remaDemocratic Party vari vekuWinsconsin ndivo vakapinza mudare reSeneti bhiri reZIDERA muna Kurume 2001.

Vaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vaigara vachishora zvirango izvi vachiti zvainge zvakanangana nekupidigura hurumende yavo pachigaro.

Asi ikozvino vamwe muAmerica vanoti vanogona kutanga kudyidzana neZimbabwe zvakakwana kana munyika maitwa sarudzo dzakachena nekuremekedzwa kwekodzero dzevanhu.

Munyori mukuru weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti zviri kudiwa neAmerica hazvina kunyanya kuoma kutevedzera asi unenge mutoro chaiwo.

Vanomirira Zanu-PF kuBritain, VaNick Mangwana, vanoti vari kutarisira kuti nyika ichaita sarudzo dzakachena, zvirango zvobviswa.

Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vakatozivisa kuti havasi kuzobvisa zvirango zvakatemerwa mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nevamwe vakuru muhurumende yavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG