Mutauriri webato rinopikisa reNational People’s Party rinotungamirwa naAmai Joice Mujuru, VaJeffryson Chitando vanoti handi chokwadi kuti bato ravo ratobatana neMDC Alliance.
Asi vati vari kuda kuti nhaurirano dzakatangwa namuchakabvu Morgan Tsvangirai naAmai Mujuru dzichipedziswa.
Kusanzwisisa zviri kuitika kuri kuuya mushure mekunge Amai Mujuru varatidza chido chekuti vanopikisa vabatane paivigwa VaTsvangirai kuBuhera nemusi weChipiri.
VaChitando vanoti vasati vabatana vanoda kuti papedziswe zvimwe zvirehwa rehwa zvakasara panhaurirano dzainge dzichiitwa naAmai Mujuru naVaTsvangirai dzinosanganisa nyaya yezita remubatanidzwa wemapato uye kusarudzwa kwevanomirira bato iri musarudzo.
VaChitando varambawo zvimwe zviri kubuda padandemutande retwitter zvekuti vatobatana kare vachiti pane munhu ari kureva nhema kuti ndiye Amai Mujuru patwitter.
Facebook Forum