Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotarisira Kuwana Mari Yakawanda Kubva kuZvicherwa Gore Rino


Zimbabwe iri kutarisirwa gore rino kuwana mari inosvika bhiriyoni imwe chete nezviuru mazana manomwe nemasere zvemadhora kubva pabhiriyoni imwe chete nezviuru mazana mashanu emadharora akawanikwa gore rapera.

Izvi zvakabuda pamusangano wemazuva maviri wezvezvicherwa wakatanga kuMiekles Hotel muHarare nemusi weChipiri.

Musangano uyu uri kukokerwa nekambani yekuLondon yeMining Report yakabatana neChamber of Mines Zimbabwe nebazi rezvezviwanikwa.

Vakafanobata chigaro chemukuru wekambani yeMinerals Marketing Corporation of Zimbabwe, VaMasimba Chandavengerwa, vaudza Studio7 kuti vane tarisiro yakadai sezvo Zimbabwe iri kusimukira munyaya dzekuchera zvicherwa zvikuru koromo negoridhe.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachitungamira sangano reLabour and Economic Development Research Institute, Doctor Godfrey Kanyenze, vanoti havasi kushamisika nekuwedzera kwemari iyi sezvo mari yezvicherwa yati wedzerei pamusika wemari.

Vamwe vakuru muhurumende nedzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vanoti nyaya yekurerutsira vanoda kutanga mabhizimisi yakaunzwa nehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa ndiyo iri kupawo kuti vekunze vakawanda vade kutanga mabhizimisi munyika uye kuva nechivimbo neZimbabwe zvapa kuti mitengo yezvicherwa iti kwirei.

Asi mutungamiri webato rinopikisa rePeople's Democratic Party uye vaimbova gurukota rezvehupfumi muhurumende yemubatanidzwa, VaTendai Biti, vanoti kukwira kwemari yezvicherwa hakunei nezviri kuitwa naVaMnangagwa.

Vanoti mitengo iri kungokwira pamisika yekunze chete.

VaBiti vanoti: “Kana zviri zvemangoda kangwanayi nekuti vanhu ava vanoba.”

Pange pachitarisirwa kuuya vanhu kubva kunyika makumi maviri uye vanhu mazana matatu kubva munyika nekunze.

Zimbabwe ndiyo ine koromo yakawanda kudarika nyika dzose dzepasi rino uye iri pachidanho chechipiri paplatinum.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti hupfumi hwenyika hukabatwa zvakanaka hunokwanisa kumutsiridzwa nezviwanikwa uye kurima.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG