Accessibility links

Breaking News

Sarudzo Dzinotarisirwa Kuitwa Muna Chikumi Kana Chikunguru


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mangagwa ndivo vanonzi vachazivisa zuva chairo richaitwa sarudzo
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mangagwa ndivo vanonzi vachazivisa zuva chairo richaitwa sarudzo

Sachigaro weZimbabwe Electoral Commission, Amai Priscilla Chigumba, vanoti sarudzo dzichaitwa pakati pa31 Chikumi na 31 Chikunguru.

Asi vanoti zuva chairo pamutemo richaziviswa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa. ZEC inoti vanhu vanosvika mamiriyoni mashanu nezviuru mazana matatu ndivo vakanyoresa kuvhota musarudzo.

Mukuru wesangano reZimbabwe Electoral Commission Amai Rindai Chipfunde Vava vanoti zviri kutaurwa naAmai Chigumba ndizvo zviri mumbiro remutemo wenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, sangano reHeal Zimbabwe Trust, iro rinorwira kodzero dzevanhu nekusimudzira runyararo, rinoti pamazuva ari pakati pa10 Gumiguri 2017 na8 Kukadzi 2018, sangano ravo rakawana kutyorwa kwekodzero dzevanhu kunoita zviuru zvishanu nemazana manomwe nemanomwe munguva yekunyoresa kwevanhu kuti vagovhota musarudzo dzegore rino.

Vanoona nezvemabasa musangano reHeal Zimbabwe Trust, Muzvare Sithabile Dewa, vanoti zvinhu zvakawanda zvine chekuita nesarudzo hazvina kunyatsomira zvakanaka uye Zimbabwe Electoral Commission inofanira kuzvigadzirisa sarudzo dzisati dzaitwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG