Accessibility links

Breaking News

MDC Yoshora Mashoko eKuti VaChamisa Vanoda Kusungwa


VaNelson Chamisa

Mutevedzeri wemutauriri weMDC-T Muzvare Thabitha Khumalo vanoti vari kushamisika nemashoko ari mubepanhau reSunday Mail rekuti mapurisa anoda kusunga vakafanobata chigaro chemutungamiri webato ravo VaNelson Chamisa.

Bepanhau iri rinoti pane vamwe vakuru veMDC-T vari kuda kuti VaChamisa vasungwe vachipomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga kuBuhera yakaona mumwe wemutevedzeri webato iri vachizvitiwo vari kutungamira, Muzvare Thokozani Khupe nemunyori mukuru webato iri VaDouglas Mwonzora vachida kurohwa nevamwe vechidiki vebato iri.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kumapurisa sezvo mutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner Charity Charamba vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Muzvare Khumalo vatiwo havasati vanzwa kubva kumapurisa nezvekuda kubvunzurudza VaChamisa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG