Gurukota rinoona nezvekudzivirirwa kwemukati menyika VaObert Mpofu, mukuru wemapurisa VaGodwin Matanga nemamwe mapurisa ekuMazowe vari kutarisirwa kubhadharazve imwe mari yakawanda semuripo kuvamwe vagari vepurazi reArnold Farm iro raizivikanwawo nekuti Manzou mushure mekunge vagari ava vaputsirwa midziyo yavo nemapurisa ayo aiti aitumwa nevaive mudzimai wemutungamiri wenyika Amai Grace Mugabe.
Svondo rapera dare rekuBindura rakati vamwe vagari vakaendesa nyaya yavo kudare iri vapihwe mari inosvika zviuru zvitatu zvemadhora semuripo.
Vagari ava vakatora purazi iri panguva yehondo yeminda muna 2000 asi mumakore apfuura vange vonetsana naAmai Mugabe vaiti vanodawo purazi iri kuti vachengete mhuka.
Munyori mukuru wesangano rinomirira vagari ava reArnold Farm Residents Association VaInnocent Dube vaudza Studio 7 kuti havasi kuzorega kuenda kumatare kusvika varipwa zvose zvavakaparadzirwa.
Asi vati kuti vawane mari kubva kuhurumende vachatotenda maruva vadya chakata nekuti hurumende inombotsika madziro pakubhadhara zvikwereti.
Mutauriri wesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights riri kubatsira vagari ava nemagweta VaKumbirai Mafunda vati vari kufara zvikuru nemitongo iri kubva kumatare.
Facebook Forum