Accessibility links

Breaking News

ZEC Youkurudzirwa Kuburitsa Gwaro reHurongwa Hwayo Kusvika kuSarudzo


VaChimhini vanoti ZEC inofanirwa kubuda negwaro rinonzi operational plan sarudzo dzisati dzasvika
VaChimhini vanoti ZEC inofanirwa kubuda negwaro rinonzi operational plan sarudzo dzisati dzasvika

Mukuru wesangano rinokurudzira kuti munyika muve nesarudzo dakachena, reElection Resource Centre, VaTawanda Chimhini, vanoti Zimbabwe Electoral Commission inofanirwa kuchikasika kuburitsa gwaro rinoratidza mafambisirwo achaitwa zvinhu kusvika musarudzo, sezvo nyaya yanga iri kumatare edzimhosva yakanzwikwa.

Izvi zvinotevera danho rakatorwa nedare rekuti pasave nechinoshanduka pane zvakanga zvaitwa neZEC, zvekupa basa rekutenga michina yekuchenesa zvinenge zvabuda mukunyoreswa kwevachavhota musarudzo kukambani IPSIDY, iri ku New York, kuAmerica.

Izvi zvinotevera danho rekambani yekuChina ye Laxton Group rekuenda kumatare ichida kuti ZEC imiswe kutenga michina kukambani yekuAerica, sezvo iyo yakanga iri iyo yakanga yapiwa neZEC basa rekuwanisa nyika michina yeBVR, yakashandiswa mukunyoresa vavhoti.

“Magwaro aya atingati anoratidza kuti chii chinenge chichange chichiitika pasarudzo anotibatsira kuti tinge tichiudza vanhu tichibatsirana neZimbabwe Election Commission kuti musi wakati tichange tichiona zvinhu zvakati,” VaChimhini vanodaro.

VaChimhini vanoti kune dzimwe nyika dzinoita sarudzo dzakachena, magwaro aya, ayo vanoti anonzi ma operational plan muChirungu, anobuda mwedzi gumi nemisere sarudzo dzisati dzaitwa, asi iye zvino ZEC yasarirwa nemwedzi mishanu chete, izvo vanoti mucherechedzo wekuti haina kurongeka.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG