Accessibility links

Breaking News

Dambudziko reMari Roramba Richinetsa Apo Zimbabwe Yoita Misangano neIMF neWorld Bank


Gurukota rinoona zvehupfumi VaPatrick Chinamasa naGavhuna weRBZ Doctor John Mangudya vari kutarisirwa kuuya kumusangano wavo wekutanga kuInternational Monetary Fund neWorld Bank kana kuti IMF and World Bank Group Boards Spring Meetings kuWashington DC kubva zvauya hurumende itsva iri kutungamirwa naVaEmmerson Mnangagwa.

Misangano iyi iri kuitwa kubva musi wa Kubvumbi 16 kusvika 22. IMF inoti nyika dzakawanda dzatotanga kunyoresa kuti dzipinde mumisangano yepagore iyi.

IMF mumazuva mashoma anotevera iri kutarisirwa kutumira nhumwa dzayo kuZimbabwe pasi pechirongwa cheArtilce IV. Parizvino IMF iri kutsvaga nzira dzekubatsira Zimbabwe dzisingadi mari.

Zimbabwe haisati yatanga kukwereteswa mari sezvo iine zvimwe zvikwereti zvairi kutadza kubhadhara zvinodarika bhiriyoni imwe chete yemadhora.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi munyika dzinoti Zimbabwe iri kuda mari nechimbi chimbi sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka. Asi Doctor Mangudya vanoti nyaya yekushomeka kwemari munyika iri kuita ichiita nani.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi nevanhuwo zvavo vanoti havasi kuona paine chachinja sezvo mari iri kutowedzera kunetsa kuwana mumabhanga. Vamwe vanhu vari kugunun’una kuti kana kuWestern Union vari kuwana mari yemadhora dhora kwete madhora gumi zvichikwira yavanenge vachida sezvo iine huremu hwakati kwirei zvichienzaniswa nedhora remabond notes.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzidzisa paDevry University kuOhio muAmerica, Doctor Elliot Masocha vanoti Zimbabwe inotoda kuti iwane mari kana kubva kunyika dzainodyidzana nadzo dzakaita seRussia nekuti kuwana zvikwereti kubva kuIMF neWorld Bank kunonetsa kana zvikwereti zvisina kubhadharwa.

Zimbabwe nemusi weChina yakanyorerana chibvumirano chemari inosvika mamiriyoni gumi nemashanu nesangano reOPEC Fund for International Development.

Chibvumirano ichi chakanyoreranwa kuVienna, Austria, pakati pegurukota rezvemari vapatrick chinamasa nemukuru wesangano iri VaSuleiman J. Al-Herbish. Mari iyi yakanangana nekupa zvikwereti kuvarimi vendima diki kana kuti smallholder farmers.

Vachabatsirwa varimi vari kuMasvingo, Manicaland, Midlands uye Matabeleland South. Mari yose ichapihwa Zimbabwe inonzi ichasvika mamiriyoni makumi mashanu nematatu. Hurumende inonzi ichaisawo imwe mari pamwe nevarimi vacho kuti homwe iyi ikure.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG