Mutungamiri weMDC-T VaMorgan Richard Tsvangirai vari kutarisirwa kuradzikwa nhasi kumusha kwavo kuHumanikwa, kuBuhera.
Mhuri yeZimbabwe muHarare nhasi iri kutarisirwa kuenderera mberi nekuonekana nemutungamiri weMDC-T VaMorgan Tsvangirai avo vari kutarisirwa kuvigwa kumusha kwavo kuHumanikwa, Buhera mangwana.
Mukuru wechikoro cheUniversity kana kuti Vice Chanchellor Muzvinafundo Levy Nyagura vakasungwa nemusi weChishanu vachipomerwa mhosva yekuita zvehuori vachinzi vainge vapa Amai Grace Mugabe, avo vaimbova mudzimai wemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe doctorate degree.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vatumira mashoko enyaradzo kumhuri yaVaTsvangirai vachivimbisa kuti hurumende ichashanda nemhuri yavo muhurongwa hwekuradzikwa kwavo.
Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vashaya kuSouth Africa nhasi mushure mekurwara kwenguva yakareba nechirwere chegomarara.
Reserve Bank of Zimbabwe ichishanda neZimtrade svondo rino iri kuparura hurongwa hwekuyedza kumutsiridza maindustry ekuBulawayo. Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi hadzisi kuwiririrana kuti zviri kuda kuitwa izvi zvinoshanda here.
Dare repamusoro reHigh Court mangwna riri kutarisirwa kunzwa nyaya yakakwidzwa kudare iri neZimbabwe Lawayers for Human Rights neJustice for Children vachipikisa danho rakatorwa nebazi rezvedzidzo rekuti vana vose vakanyora bvunzo dze”O” Level Paper 2 vadzidzokorore musi wa 16 mwedzi uno.
Sangano reZimbabwe Peace Project rinoti mhirizhonga iri kuenderera mberi mubato reZanu-PF pakati pevanonzi vanotsigira mutungamiri webato iri VaEmmerson Mnangagwa vanozivikanwa nekuti Team Lacoste nevaitsigira chikwata chakadzingwa chainzi chaitsigira Amai Grace Mugabe cheGeneration 40.
Gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe Doctor John Mangudya nemusi weChitatu vakaparura hurongwa hwavo hwekutanga hwekushandiswa kwemari kana kuti Monetary Policy Statement kubva vaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe zvava manikidzwa kusiya basa muna Mbudzi gore rapera
Vaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vanonzi vave nemumwe muzukuru mushure mekunge mwanasikana wavo Amai Bona Chikore abatsirwa nemumwe mwana. Bona Chikore nemurume wake Simba vave nenguva vari kunze kwenyika kunofungidzirwa kuti kuDubai.
Vakafanobata chigaro chasachigaro wekomisheni yezvekuregererana yeNational Peace and Reconciliation Commission Amai Lilian Chigwedere vaburitsa mashoko kuvatori venhau vachishora zvikuru mhirizhonga munyaya dzezvematongerwo enyika.
Gavhuna weRBZ Doctor John Mangudya nhasi vari kutarisirwa kuparura hurongwa negwara rekufambiswa kwemari kana kuti Monetary Policy Statement.
Bato reNational People’s Party raramba mashoko ekuti mutungamiri waro, Amai Joice Mujuru vari kuda kuumba bato idzva rinopikisa nevaive mudzimai wemutungamiri wenyika Amai Grace Mugabe.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnagagwa nhasi vasangana muHarare kumahofisi avo eMunhumutapa negurukota rekuBritain rinoona nezvekudyidzana nenyika dzemuAfrica Amai Harriet Baldwin vakavimisa kuti Zimbabwe ichaita sarudzo dzakachena.
Mutungamiri webato rinopikisa reNational People’s Party Amai Joyce Mujuru nemusi weChina vakarohwa kuGlen Norah, Harare nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF apo vaifamba vachitsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo dziri kutarisirwa kuitwa gore rino.
Vaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vanonzi nemusi weChipiri vakadaidza vaimbova mutevedzeri wavo Amai Joyce Mujuru kumba kwavo kuBlue Roof kuBorrowdale Harare vakakurukura nyaya dzakawanda kusanganisa kubviswa kwaVaMugabe pachigaro nemauto uye kudzinga kwavakaita Amai Mujuru basa.
Mifananidzo kubva kuCapitol Hill muAmerica pakuturwa kwemamiriro akaita zvinhu muAmerica, State of The Union Address
Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump nhasi vaparura hurongwa hwemamiriro akaita nyika yeAmerica kana kuti State of the Union Address.
Vakafanobata chigaro chemutungamiri weMDC-T, Engineer Elias Mudzuri nhasi vari kutarisirwa kushanyira dunhu reChegutu, kuMashonaland West, kuti vanozvionera vega pamhino sefodya dambudziko rechirwere che cholera.
Chimwe chikwata kubva kubhanga reInternational Monetary Fund chiri kutarisirwa kupinda munyika muna Kurume kuti chizeye nevakuru muhurumende kuti hupfumi hungagadziriswe sei.
Rodhai zvimwe