Mubatanidzwa wemapato anopikisa weMDC Alliance, wakaita musangano wechipiri kwaMutare nemusi weSvondo.
Mutungami wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakapinda mumusangano wavo wekutanga kuAfrican Union kuAddis Ababa, Ethiopia nemusi weSvondo.
Gurukota rinoona nezvehutano Dr David Parirenyatwa vakaudza dare reparamende kuti hurumende ichange ichitumira vanahutsana kumachechi, kurufu nepamwe pose panoungana vanhu zvikuru muChegutu nenzvimbo dzakapoteredza kuti vaona kuti chirwere cheCholera hachirambe chichipararira.
Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vari kutarisirwa kutaura nhasi pamusangano wekuDavos uyu.
Mashoko atiri kutambira anoti Mutongi wedare repamusoro reHigh Court Amai Priscilla Chigumba ndivo vadomwa kuti vatore chigaro chekuva sachigaro weZimbabwe Electoral Commission.
Mutungamiri webato rinopikisa rePeople’s Democratic Party varizve nhengo yeMDC Alliance VaTendai Biti vanoti kumusangano weDavos, Switerland kwakaendwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnagagwa kunogona kusabuda chinhu kana Zimbabwe ikasavandudza mitemo yayo.
Sangano reEuropean Union riri kutarisirwa mwedzi unouya kuti rizeyeye nyaya yezvirango zvakatemerwa vaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nevamwe vavo muZanu-PF. Izvi zvinoitwa gore roga roga.
Sangano remubatanidzwa wenyika dzekumawirira reEuropean Union iro rakatemera vamwe vakuru vehurumende zvirango richivapomera mhosva yekutyora kodzero dzevanhu rinoti richatanga kudyidzana neZimbabwe kana yaita sarudzo dzakachena uye ikaremekedza kodzero dzevanhu.
Gurukota rinoona nezvehupfumi, VaPatrick Chinamasa vazivisa kuti mutero wepeturu, dhiziri uye parafini wadzikira.
Mukuru wesangano reVendors Union of Zimbabwe, VaStern Zvorwadza, vanoti havasi kuzovhundika mashoko ehurumende ekuti kubva nhasi vanenge vobviswa mumigwagwa mavanotengesera zvinhu nechisimba nemauto uye mapurisa.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangawa, vaenda kuDavos, Switzerland, nhasi kumusangano weWorld Economic Forum, kana kuti WEF, uyo uri kutanga mangwana.
Zviuru nezvezviuru zvevanhu zvaratidzira mumaguta akasiyana siyana eAmerica zvichiratidzira kusafarira mutungamiri wenyika Vadonald Trump avo vakasvika gore vari muhofisi nemusi weMugovera.
Mubatanidzwa wemapato anopikisa weMDC Alliance uri kuita musangano kuEpworth paDomboramwari nemusi weSvondo
Mutungamiri werimwe sangano revanotengesa zvinhu mumigwagwa reVendors Initiative for Social and Economic Transformation kana kuti (VISET) VaSamuel Wadzai Mangoma vanoti havasi kuzovhunduka mashoko egurukota rezvematunhu VaJuly Moyo ekuda kushandisa mauto kuvabvisa mumigwagwa nechisimba.
Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Retired General Constantino Chiwenga, vatanga kuita misangano nevemabhizimisi nechinagwa chekuti mitengo yezvinhu izvo zvaramba zvichiita chamurambamhuru.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nhasi vari kuMozambique murwendo rwavo rwechina rwekusangana nevatungamiri venyika dzekuchamhembe kweAfrica kana kuti SADC vachitsanangura mamiriro ezvinhu munyika mushure mekunge vatora masimba vachibatsirwa nemauto gore rapera.
Gavhuna weRBZ Doctor John Mangudya mumazuva mashoma anotevera vari kutarisirwa kuparura chirongwa chekufambiswa kwemari nehurumende kana kuti Monetary Policy Statement.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nevatevedzeri vavo, VaKembo Mohadi naGeneral Constantino Chiwenga nemusi weMugovera vakaita musangano nemadzishe kuGweru uko vakapa vamwe vavo motokari uye kutsanangura matorero avakaita basa rekutungamira nyika kubva kune vaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.
VaMnangagwa vaperekedzwa negurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, Retired Major General Sibusiso Moyo, VaCharamba, munyori mubazi rezvemhando dzemoto, VaPatson Mbiriri, uye munyori mubazi rezvekurima, VaRingson Chitsiko.
Sangano rinomiririra vanotengesa mumigwagwa reVendors Initiative for Social and Economic Transformation kana kuti VISET riri kushora zvikuru kwarinoti kushungurudzwa kwevanhu vanotengesa mumigwagwa mumaguta akaita seBulawayo, Gweru, Mutare neMasvingo.
Rodhai zvimwe