WASHINGTON —
Gurukota rinoona nezvehupfumi, VaPatrick Chinamasa vazivisa kuti mutero wepeturu, dhiziri uye parafini wadzikiswa. Izvi zvinorevawo kuti mutengo wemafuta ekufambisa dzimotokari wave kuderedzwa.
Peturu yadzikiswa kubva pamasendi makumi mana nemashanu kusvika pamakumi matatu nemashanu parita.
Dhiziri radzikiswa nemasendi manomwe parita kusvika pamasendi makumi matatu nematatu.
Paraffin yaderedzwa kubva pamasendi makumi mana kusvika pamasendi makumi matatu nematatu.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti mutengo wemafuta muZimbabwe unodhura kudarika nyika dzakawanda izvo zviri kukanganisa vemabhizimisi kuita basa.
Facebook Forum