Sangano reZimbabwe Peace Project rakaburitsa gwaro rinoratidza nyaya dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu dzakaitwa munyika mwedzi uchangopera.
Sangano reZimbabwe Election Support Network kana kuti ZESN rinoti hurumende inofanira kutara gwara rakajeka rekuti sarudzo dzegore rino dzinofambiswa sei kuti pasazoita mutauro.
Black Rhinos yasandura tsika dzayo dzemakore apfuura nekupa basa murairidzi asiri nhengo yeZimbabwe National Army.
Vakafanobata chigaro chemutungamiri webato reMDC-T VaElias Mudzuri avo vaita musangano nevamwe vakuru vebato ravo varamba mashoko ekuti VaTsvangirai vari kuronga kusiya basa.
Mutungamiri webato reMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanonzi nevamwe vakuru mubato ravo uye nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika mashoko avatumira kuruzhinji rweZimbabwe, anenge ari kuratidza kunge vave kuda kusiya chigaro chekutungamira bato rinopikisa iri.
VaMnangagwa vaperekedzwa nemumwe wevatevedzeri vavo, Retired General Constantino Chiwenga.
Vamiri vemapato matatu ezvematongerwo enyika ane nhengo dzedare reparamende anoti Zanu-PF, MDC-T uye MDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube anoti ndiwo akapa kuti Zimbabwe Electoral Commission iwedzere nguva yekunyoresa vavhoti.
Vaimbova mukuru wekambani yeNetOne VaReward Kangai avo vari kupomera mhosva yehuori gurukota rezvehumhizha mukufambiswa kwemashoko VaSupa Mandiwanzira vanoti vaimbova mudzimai wemutungamiri wenyika Amai Grace Mugabe ndivo vaiita kuti nyaya dziri kupomerwa VaMandiwanzira dzisaferefetwe.
Sangano ronoongorora nyaya dzesarudzo reElection Resource Centre rakanyora tsamba kumutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa richivakurudzira kuti vaone kuti mitemo yesarudzo yagadziriswa kuti ienderane nebumbiro remutemo wenyika.
Vachitaura kumucheto kwemabiko ekutoresa mhiko makurukota avo kuState House muHarare neMuvhuro, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vati vane chivimbo chekuti vachabudirira.
Vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaPhelekezela Mphoko vanonzi vari muhupoteri kuBotswana pari zvino uye vanonzi vakataura nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vachikumbira kudzoka kumusha.
Vaive mutongi gava panhaurirano dzekuti vaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugave vasiye basa, Father Fidelis Mukonori veRoman Catholic, vanoti Amai Grace Mugabe vaimbopindawo munhaurirano daiitwa pakati pemauto naVaMugabe.
Komiti yeZimbabwe Rhodes Selection Committee yakadoma Terrens Muradzikwa kuti apihwe bhezari rekuenda kuOxford.
Gurukota rinoona nezvemari Doctor Ignatious Chombo avo vakapambwa kumba kwavo nemauto nemusi weChitatu vanonzi vari kutarisira kumiswa pamberi pedare ramajastiriti muHarare nhasi.
Muimbi ane mukurumbira munyika Thomas Mapfumo anoti mukuimba kwake akagara ayambira mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nemamwe makurukota avo akaita segurukota rezvedzidzo Muzvinafundo Jonathan Moyo kuti vanofanira kutonga zvakanaka vasingaite zvekudzvinyirira vanh
Gurukota rinoona nezvevashandi VaPatrick Zhuwao vanovezve muzukuru wemutungamiri wenyika vanoti VaRobert Mugabe havasi kuzomanikidzwa kusiya chigaro chekutungamira nyika kunyangwe hazvo vakakomberedzwa nemauto kumba kwavo kuBlue Roof kuBorrowdale muHarare.
Nhaurirano pakati pemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nevakuru vemauto dzinonzi dziri kuenderera mberi kuState House asi pasina kuwirirana panyaya yekuti VaMugabe vachienda pamudyandigere.
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemudzimai wavo, Amai Grace Mugabe, vanonzi vachakachengetedzwa pamwe nemamwe makurukota akatizira kumba kwavo kuBlue Roof kuBorrowdale.
Mashoko atiri kutambira anoti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nemudzimai wavo Amai Grace Mugabe vakachengetedzwa pamwe nemamwe makurukota maviri ainge atizira kumba kwavo kuBlue Roof kuBorrowdale apo vainge votsvagwa nemauto nezuro manheru.
Rodhai zvimwe