Accessibility links

Breaking News

VaMphoko Voudza VaMnangagwa Kuti Vanoda Kudzoka kuMusha


VaPhelekezela-Mphoko
VaPhelekezela-Mphoko

Vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaPhelekezela Mphoko vanonzi vari muhupoteri kuBotswana pari zvino uye vanonzi vakataura nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vachikumbira kudzoka kumusha.

Munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaGeorge Charamba vaudza bepanhau reHerald kuti VaMnangagwa vakaudza VaMphoko kuti vakasununguka havo kudzoka kumusha. VaCharamba vanoti VaMphoko vakasununguka kuuya kuzoshanda mubudiriro yenyika.

Bato reZanu-PF rakadzinga VaMphoko mubato richivapomera mhosva yekukonzera kusawirirana mubato, kurega mbavha dzichiita madiro aJojina uye kutaura mashoko anounza ruvengo.

Pakatorwa nyika nemauto, VaMphoko vainge vari kuJapan uye vachibva ikoko vakabva vaenda kunopotera kuBotswana sezvo vainge vari pakati pevamwe venhengo dzechikwata cheG40 icho chaitsigira Amai Grace Mugabe dzitsvagwa nemauto.

Studio 7 haina kukwanisa kubata VaMphoko kuti tinzwe divi ravo sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG