Vachitaura kumucheto kwemabiko ekutoresa mhiko makurukota avo kuState House muHarare neMuvhuro, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vati vane chivimbo chekuti vachabudirira.
Asi vanhu munyika vane pfungwa dzakasiyana panyaya yekuti dare remakurukota iri ringavandudze here zvinhu zvakaita manyama amire nerongo munyika.
Amai Monica Mutsvangwa, avo vatora mhiko segurukota redunhu reManicaland, vati vanotarisira kuti vachashanda nevanhu vemudunhu ravo mukuunza budiriro.
Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi pamwe nematongerwo enyika, Doctor Prosper Chitambara, vanoti havaone paine chinobuda nekuti vanhu vacho ndivo vagara varipo.
Mashoko aya atsinhirwawo nemutungamiri webato reNational Constitutional Assembly, Muzvinafundo Lovemore Madhuku.
Asi Va Chitambara vati zvinokwanisika kuti dare iri rivandudze zvinhu ndokunge razvipira kugadzirisa zvavati zvinoda kugadziriswa nechimbi chimbi.
Mukuru wesangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti zvakakosha kuti dare remakurukota rione kuti kodzero dzevanhu dzaremekedzwa kuitira kuti nyika isazoite seyakageza negoka munyama.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaJoy Mabenge, avo vanoshanda neCrisis in Zimbabwe Coalition, vati dai VaMnangagwa vakadoma vechidiki nemadzimai akawanda zvaizoratidza kuti vari kufambirana nenguva vachiwedzera mukana wekubudirira.
Asi vati sezvo zvisina kuitwa pacharamba paine mutauro.
Asi VaMnangagagwa vati mwedzi minomwe inotevera inenge ichida kuti vatora mhiko ava vashande zvakasimba.
Nyika iri kutarisirwa kuita sarudzo gore rinouya.
Facebook Forum