Accessibility links

Breaking News

ZESN Yokurudzira Hurumende Kuti Ijekese Gwara reSarudzo


VaEmmerson Mnangagwa

Sangano reZimbabwe Election Support Network kana kuti ZESN rinoti hurumende inofanira kutara gwara rakajeka rekuti sarudzo dzegore rino dzinofambiswa sei kuti pasazoita mutauro.

ZESN inotiwo hurumende inofanira kudoma nechimbi chimbi sachigaro weZimbabwe Electoral Commission anozotara chigaro chakasiiwa naJustice Rita Makarau.

Sangano iri ratiwo mitemo yesarudzo inofanira kuti ienderane nebumbiro remutemo wenyika. ZESN inoti panodawo kujekeswa kuti muchina wekuona runyoro rweruoko rwevavhoti kana kuti Automated Fingerprint Identification System uchatengwa kupi sezvo ZEC isiri kunyatsobuda pachena panyaya iyi.

Mashoko eZESN aya ari kutsinhirwawo nerimwe sangano rinonzi Zimbabwe Yadzoka/ Mayibuye IZimbabwe. Mutungamiri wesangano iri Doctor Victor Chimhutu vati zvakakosha kuti Zimbabwe iite sarudzo dzinotambirwa nemapato ose.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG