Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoshanyira VaTsvangirai Avo Vasiri Kunzwa Zvakanaka


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vashanyira mutungamiri webato rinopikisa reMovment for Democratic Change, VaMorgan Tsvangirai, avo vasiri kunzwa zvakanaka vari kumba kwavo kuHighlands muHarare.

VaMnangagwa vaperekedzwa nemumwe wevatevedzeri vavo, Retired General Constantino Chiwenga.

VaTsvangirai vange vaine mumwe wevatevedzeri vavo, VaNelson Chamisa, nevamwe vakuru vakuru vebato ravo.

VaMnangagwa naVaTsvangirai vanonzi vazoitawo musangano kwemaminetsi makumi mana nemashanu pasina vatori venhau.

Vaviri ava vanzi vataura nyaya dziri kunetsa munyika kusanganisira nyaya dzezvehupfumi.

Vachipedza musangano, VaTsvangirai vanonzi vabva vananga kunorapwa kuSouth Africa kwavagara vachienda kunorapwa chirwere chegomarara.

Mutauriri waVaTsvangirai, VaLuke Tamborinyoka, vanoti VaTsvangirai vanga vagara vaine rwendo rwekuenda kuSouth Africa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutauriri waVaMnangagwa, VaGeorge Charamba, vati mutungamiri wenyika aona zvakakodzera kunoona mumwe wavo asiri kunzwa zvakanaka.

VaCharamba vatiwo zvaitwa naVaMnangagwa zvinhu zvinoremekedzwa zvikuru uye zvinoratidza kuti mutungamiri ane hunhu.

Vatiwo VaTsvangirai vakaratidzawo zvimwe chete pakagadzwa VaMnangagwa semutungamiri wenyika sezvo vakaendawo kunoona VaMnangagwa vachigadzwa kuva mutungamiri wenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG