Mashoko atiri kutambira anoti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nemudzimai wavo Amai Grace Mugabe vakachengetedzwa pamwe nemamwe makurukota maviri ainge atizira kumba kwavo kuBlue Roof kuBorrowdale apo vainge votsvagwa nemauto nezuro manheru.
Makurukota aya anoti gurukota rinoona nezvedzidzo yepamusoro muzvinafundo Jonathan Moyo uye gurukota rezvematunhu VaSavior Kasukuwere.
Vamwe vanonzi vasungwa vanosanganisa gurukota rezvemari VaIgnatious Chombo uye VaKudzi Chipanga avo vanonzi vakachengetedzwa kukamba yemauto kuKGVI.
Mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaPhelekezela Mphoko vanonzi vakapona nepasaka reshumba mushure mekunge vabuda munyika vachienda kuJapan nemusi weChipiri.
VaVamwe vakuru vemauto vanoti vari kuda kutanga nhaurirano naVaMugabe kuti vasiye chigaro vopa VaEmmerson Mnangagwa sezvavanoti vakatenderana munguva yehondo.
Vari kutarisirwa kuita hurukuro naVaMugabe ndiVaMnangagwa, uye General Chiwenga.
Pane mashoko ari kutiwo mukuru wemapurisa VaAugustine Chihuri nemumwe wevatevedzeri vavo, VaInnocent Matibiri, vakachengetedzwawo nemauto mushure mekunge vayedza kuda kuti mapurisa eSupport Unit arwisane nemauto.
Mutauriri wemauto, Colonel Overson Mugwisi, vaudza Studio 7 kuti zvinhu zvakagadzikana munyika uye hapana chekuvhunduka.
Facebook Forum