WASHINGTON —
Sangano reZimbabwe Peace Project rakaburitsa gwaro rinoratidza nyaya dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu dzakaitwa munyika mwedzi uchangopera.
Sangano iri rinoti riri kushushikana nenyaya yemhirizhonga mubato reZanu-PF zvikuru zvakanangana nenyaya yekudzosera pane zvakaitika kare pakati pezvikwata zvainetsana mubato iri zvinoti G40 neTeam Lacoste. Izvi zvinonzi zvaiitika kuMasvingo neMidlands uye kuMashonaland Central.
Sangano iri rinotiwo vanhu vainge vogunun’una nenyaya yekuti mauto ainge otyora kodzero dzavo. Mukuru wesangano Muzvare Jestina Mukoko vanoti nyaya idzi dzinofanira kuongororwa.
Facebook Forum