Vakafanobata chigaro chemutungamiri webato reMDC-T VaElias Mudzuri vari kuramba mashoko ekuti mutungamiri webato iri VaMorgan Tsvangirai vane hurongwa hwekusiya chigaro mukati memazuva mashoma anotevera.
VaMudzuri varambawo mashoko ainge ambotaurwa nemutauriri waVaTsvangirai VaLuke Tamborinyoka ekuti VaTsvangirai vainge vabuda munyika neChishanu vachienda kuSouth Africa kunorapwa vachiti vakabuda munyika neChipiri manheru.
Mashoko ekuti VaTsvangirai vainge voronga kusiya basa anotevera mashoko avo kuvatori venhau ekuti kudoma kwavakaita VaMudzuri naVaNelson Chamisa kuti vabatsirane nemumwe mutevedzeri wavo Muzvare Thokozani Khupe kwainge kwakanangana nekuti vainge vachiona zvemberi uye kuti ushe madzoro.
VaTsvangirai vakazivisa kare kuti vari kurwara nechirwere chegomarara uye vari kupota vachienda kunorapwa kuSouth Africa.
Facebook Forum