Accessibility links

Breaking News

VaMudzuri Voramba Kuti VaTsvangirai Vari Kuda Kusiya Chigaro cheKutungamira MDC


Former Prime Minister Morgan Tsvangirai addressing journalists in Harare Wednesday, September 18, 2013. - VOA
Former Prime Minister Morgan Tsvangirai addressing journalists in Harare Wednesday, September 18, 2013. - VOA

Vakafanobata chigaro chemutungamiri webato reMDC-T VaElias Mudzuri vari kuramba mashoko ekuti mutungamiri webato iri VaMorgan Tsvangirai vane hurongwa hwekusiya chigaro mukati memazuva mashoma anotevera.

VaMudzuri varambawo mashoko ainge ambotaurwa nemutauriri waVaTsvangirai VaLuke Tamborinyoka ekuti VaTsvangirai vainge vabuda munyika neChishanu vachienda kuSouth Africa kunorapwa vachiti vakabuda munyika neChipiri manheru.

Mashoko ekuti VaTsvangirai vainge voronga kusiya basa anotevera mashoko avo kuvatori venhau ekuti kudoma kwavakaita VaMudzuri naVaNelson Chamisa kuti vabatsirane nemumwe mutevedzeri wavo Muzvare Thokozani Khupe kwainge kwakanangana nekuti vainge vachiona zvemberi uye kuti ushe madzoro.

VaTsvangirai vakazivisa kare kuti vari kurwara nechirwere chegomarara uye vari kupota vachienda kunorapwa kuSouth Africa.

Hurukuro naVaElias Mudzuri
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG