Vaive mutongi gava panhaurirano dzekuti vaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugave vasiye basa, Father Fidelis Mukonori veRoman Catholic, vanoti Amai Grace Mugabe vaimbopindawo munhaurirano daiitwa pakati pemauto naVaMugabe.
VaMukonori vanoti pane pamwe paidaidzwa Amai Mugabe kana paine zvaida kutsanangurwa zvikuru panyaya dzine chekuita nezvemashoko ekuti pane vaida kusunga kana kupfudza General Constantino Chiwenga.
VaMugabe mbune vanonzi vakambodaidzawo mudzimai wavo kuti atsanangure nezvemashoko akaverengwa nevaive mukuru weZanu-PF Youth League, VaKudzai Chipanga, ekushora General Chiwenga, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nevamwe vakuru vemauto vachivapomera mhosva yekuita zvehuwori.
VaChipanga vanonzi vakaudza vakuru vemauto kuti gwaro ravakaverenga rainge rabva kuna Amai Mugabe.
Asi Amai Mugabe vanonzi vakaramba vachiti Havana gwaro ravakapa VaChipanga
VaChipanga vakaverenga mashoko avo aya mushure mekunge General Chiwenga vashora mabatirwo aiitwa vaive varwi vehondo yerusununguko mubato reZanu-PF.
Pari zvino VaChipanga vari mujeri reChikurubi vachipomerwa mhosva yekuzvidza vakuru vemauto.
Panyaya yekuti VaMugabe vakanzi vapihwe mari inosvika mamiriyoni gumi emadhora yekuti vaende pamudyandigere, VaMukonori vanoti havana ruzivo nezvenyaya iyi.
Facebook Forum