Accessibility links

Breaking News

VaChombo Votarisira Kumiswa paMberi peDare Nhasi


VaIgnatius Chombo
VaIgnatius Chombo

Gurukota rinoona nezvemari Doctor Ignatious Chombo avo vakapambwa kumba kwavo nemauto nemusi weChitatu vanonzi vari kutarisira kumiswa pamberi pedare ramajastiriti muHarare nhasi.

Gweta raVaChombo, Muzvinafundo Lovemoe Madhuku vanoti VaChombo vakarohwa vari muhusungwa uye vaigara vakasungwa kumeso.

Hurukuro naMuzvinafundo Lovemore Madhuku
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaChombo vari kupomerwa mhosva yekuba mari kuRBZ uye kuita zvehuori vari gurukota rezvematunhu zvikuru panyaya yenzvimbo dzekuvakira dzimba kana kuti mastands. Vanonzi pavakatorwa nemauto vakamanikidzwa kumhanya kubva pamba pavo vachienda painge pakahwanda motokari yemauto husiku.

VaMadhuku vaudza Studio 7 kuti mauto aya akazoendesa VaChombo kumapurisa ekuRhodesville muHarare vakazokumbira kuti vaendeswe kuchipatara cheParirenyatwa.

VaMadhuku vanoti mudzimai waVaChombo akarohwa uye vamwe vemhuri yavo vari kushungurudzwa.

Vachipindura nyaya iyi, mutevedzeri wemunyori anoona nezvemutemo mubato reZanu-PF VaMunyaradzi Paul Mangwana vati aya anonzi “mavictims erevolution ” asi vakawedzera kuti vose vakasungwa vachaendeswa kumatare edzimhosva.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG