Accessibility links

Breaking News

Hurukuro dzaVaMugabe neMauto Dziri Kuenderera Mberi


VaRobert Mugabe naVaConstantine Chiwenga
VaRobert Mugabe naVaConstantine Chiwenga

Nhaurirano pakati pemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nevakuru vemauto dzinonzi dziri kuenderera mberi kuState House asi pasina kuwirirana panyaya yekuti VaMugabe vachienda pamudyandigere.

VaMugabe vakachengetedzwa nemauto vari kumba kwavo kuBlue Roof kuBorrowdale uko mauto anzi aramba kuenda akati ivo VaMugabe vauye kuState House uko vakakomberedza.

Nyaya yaVaMugabe yekuramba kusiya basa inonzi yave kupa kuti vamwe mubato ravo reZanu-PF vatange kutsvaga kuita hurukuro nemapato anopikisa kusanganisa MDC-T neMDC yaVaWelshman Ncube kuti dare rivhote kuti rivabvise pachigaro kana kuti impeachment.

Vanozivikanwa nekuti Team Lacoste muZanu-PF vanonziwo vari kuda kutanga kuti matunhu ose ati haachadi kuti VaMugabe vatungamire bato iri.

Misangano iyi inogona kutanga neChishanu.

VaMugabe, General Constantino Chiwenga, VaKembo Mohadi, VaSydney Sekeramai ndivo vapinda mumusangano uyu.

Asi vambopindazve mune mumwe musangano nenhumwa dzabva kuSouth Africa dzakatumwa naVaJacob Zuma vanove sachigaro weSADC.

Hurukuro NaVa Joy Mabenge
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG