Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Mitemo yeSarudzo Inoenderana neZvisungo zveSADC neAU


VaZiyambi Ziyambi

Sangano ronoongorora nyaya dzesarudzo reElection Resource Centre rakanyora tsamba kumutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, richivakurudzira kuti vaone kuti mitemo yesarudzo yagadziriswa kuti ienderane nebumbiro remitemo yenyika.

Mukuru wesangano iri, VaTawanda Chimhini, vati mutsamba yavo vakayeuchidza VaMnangagwa kuti zvimwe zvavari kuda kuti zvienderane nemitemo yenyika zvinhu zvavakambovaudza kare mumakore avainge vari mutevedzeri wemutungamiri wenyika uye gurukota rezvemitemo.

Vachipa muenzaniso mitemo inofanira kuringana nebumbiro remitemo, VaChimhini vati Zimbabwe Electoral Commission inofanira kunge yakazvimirira.

Vati ZEC ikasaita mutongi gava pachaita mutauro pakuvhota.

Vatiwo mutemo wenyika unoti munhu wose ane kodzero yekuvhota kusanganisira vari kunze kwenyika uye vari mumajeri, izvo vati hazvisi kuitika.

Sangano reERC rakanyorawo tsamba kugurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, uye mutauriri wedare reparamende, VaJacob Mudenda, vachivakurudzira kuyananisa mitemo yesarudzo nebumbiro remitemo pamberi pesarudzo dzegore rino.

Hurukuro naVaZiyambi Ziyambi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG