Mutungamiri webato reMDC, VaMorgan Tsvangirai, avo vari kurapwa chirwere chegomarara kuSouth Africa, vanonzi nevamwe vakuru mubato ravo uye nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika mashoko avatumira kuruzhinji rweZimbabwe, anenge ari kuratidza kunge vave kuda kusiya chigaro chekutungamira bato rinopikisa iri.
Izvi zvinotevera mashoko avo avaburitsa neMuvhuro kuvatori venhau vachitaura nezvegore idzva uye nhoroondo yavo yekurwira hutongo hwejekerere.
VaTsvangirai, avo varkutarisirwa kudzoka svondo rino kubva kuSouth Africa, vataurawo nezvekusarudza kwavakaita vamwe vatevedzeri vavo vaviri vachiti vanoda kuti vechidiki vaenderere mberi nekurwira hondo yekuunza hutongo hwejekerere.
VaTsvangirai vakadoma VaNelson Chamisa naVaElias Mudzuri sevatevedzeri vavo vachibva vaita vatatu kusanganisira Muzvare Thokozani Khupe avo vakasarudzwa kukongiresi yebato iri.
Vamwe vakuru vakuru vasina kuda kudomwa nemazita vanoti mubato matotanga kunetsana kwakanyanya pakuti kana VaTsvangirai vakasiya basa vanofanira kudoma wavanoda here kana kuti poitwa kongiresi yechimbichimbi.
Asi bumbiro remitemo yebato haripi VaTsvangirai masimba ekudoma munhu kuti atore chinzvimbo chavo sezvo izvi zvichiitwa nekongiresi yebato.
Izvi zvave kutyirwa kuti zvinogona kupa kuti bato iri ripatsanuke nepakati vanhu vorwira zvigaro.
Vachitaura nezvenhoroondo yavo mukurwira hutongo hwejekerere, VaTsvangirai vati kubviswa pachigaro kwevaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, hakureve kuti zvinhu zvanaka munyika vachiti panofanira kuitwa sarudzo dzakajeka.
VaTsvnagirai vati nyaya yesarudzo dzakajeka chinhu chavakakurukura nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, pavakavashanyira kumba kwavo nemusi weChishanu.
VaTsvangirai vati mapato ezvematongerwo enyika anofanira kushanda murunyararo kwete kuita makara asionane.
Vatiwo vakakatyamadzwa zvikuru nekurohwa kwakaitwa vechidiki vairatidzira kuBulawayo vachida kuti VaMnangagwa vagadzirise nyaya yeGukurahundi.
Panyaya yehuori, VaTsvangirai vatiwo nyaya yekurwisa huori inofanira kubatwa nemazvo kwete kungosunga vechikwata cheG40 vakadzingwa muZanu-PF.
VaTsvangirai vatiwo apo vofunga nezveremangwana, vanofara nebasa ravakabata kubva muna 1988 apo vakasarudzwa kuva munyori mukuru weZCTU uye kurwisa kwavakaita chirongwa cheESAP chavanoti chaipakirwa nyika neInternational Monetary Fund, IMF.
Vataurawo nezvekuumba uye kutungamira bato reMDC kubva muna 1999 rinova bato rekutanga kukwikwidza neZanu PF zvine mutsindo, uye rikapinda munhoroondo yekukunda Zanu PF musarudzo dzakaitwa muna 2008.
Aive murongi wemisangano yezvematongerwo enyika muMDC panguva iyi ndiVaMudzuri, avo vanopinda munhoroondo yebato yekuva munyori wezvekurongwa kwemisangano akakunda Zanu PF musarudzo dzekutsvaga nhengo dzeparamende, asi sarudzo yemutungamiri wenyika ikazodzokororwa
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mukuru wesangano reZimbabwe Democracy Institute, Doctor Pedzisayi Ruhanya, vanoti VaTsvangirai vari kuratidza hutungamiri mumabatiro avari kuita nyaya dzehutungamiri hwebato ravo.
Facebook Forum