Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanonzi Vachakachengetedzwa neMauto


Zimbabwe Politics
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemudzimai wavo, Amai Grace Mugabe, vanonzi vachakachengetedzwa pamwe nemamwe makurukota akatizira kumba kwavo kuBlue Roof kuBorrowdale.

Makurukota aya anonzi akanopotera kumba kwaVaMugabe manheru emusi weChipiri apo akange otsvagwa nemauto zvichitevera kutora kwaakaita masimba.

Makurukota azivikanwa kusvika pari zvino anoti gurukota rinoona nezvedzidzo yepamusoro, VaJonathan Moyo, uye gurukota rezvematunhu, VaSavior Kasukuwere.

Vamwe vanonzi vakachengetedzwa nemauto vanosanganisira gurukota rezvemari, VaIgnatious Chombo, munyori wevechidiki muZanu PF, VaKudzi Chipanga, avo vanonzi vakachengetedzwa kukamba yemauto kuKG 6.

Mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaPhelekezela Mphoko, vanonzi vakapona nepasaka reshumba mushure mekunge vabuda munyika vachienda kuJapan nemusi weChipiri.

Vamwe vakuru vemauto vanoti vari kuda kutanga nhaurirano naVaMugabe kuti vasiye chigaro vopa VaEmmerson Mnangagwa sezvavanonzi vakatenderana munguva yehondo.

Vari kutarisirwa kuita hurukuro naVaMugabe ndiVaMnangagwa, General Chiwenga nevamwe.

Pane mashoko ari kutiwo mukuru wemapurisa, VaAugustine Chuhuri, nemumwe wevatevedzeri vavo, VaInnocent Matibiri, vakachengetedzwawo nemauto mushure mekunge vayedza kuda kuti mapurisa ebazi reSupport Unit, arwisane nemauto.

Mutauriri wemauto, Colonel Overson Mugwisi, vaudza Studio7 kuti zvinhu zvakagadzikana munyika uye hapana chekuvhunduka.

Vanomirira Zanu-PF mudare reparamende kuHarare East, VaTerrence Mukupe, vanoti vanoona zvinhu zvichigadzirika zvakanaka munyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG