Accessibility links

Breaking News

Thomas Mapfumo Anoti Akagara Ayambira VaMugabe naVaJonathan Moyo


Thomas Mapfumo
Thomas Mapfumo

Muimbi ane mukurumbira munyika Thomas Mapfumo anoti mukuimba kwake akagara ayambira mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nemamwe makurukota avo akaita segurukota rezvedzidzo Muzvinafundo Jonathan Moyo kuti vanofanira kutonga zvakanaka vasingaite zvekudzvinyirira vanhu.

VaMapfumo avo vakamanikidzwa kuenda muhupoteri muAmerica nehurumende yaVaMugabe vakaimba nzimbo dzakawanda kusanganisa vana Marima Nzara, Mamvemve, Mukoma J nedzimwe.

VaMpfumo vati handi chokwadi change chichitaurwa kuti anenge ari kuZimbabwe Grounds nemusi weMugovera. Asi Mapfumo vanoti vane hurongwa hwekuzodzokera kuZimbabwe mumwedzi unotevera.

Hurukuro naVaThomas Mapfumo
please wait

No media source currently available

0:00 0:08:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG