WASHINGTON —
Muimbi ane mukurumbira munyika Thomas Mapfumo anoti mukuimba kwake akagara ayambira mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nemamwe makurukota avo akaita segurukota rezvedzidzo Muzvinafundo Jonathan Moyo kuti vanofanira kutonga zvakanaka vasingaite zvekudzvinyirira vanhu.
VaMapfumo avo vakamanikidzwa kuenda muhupoteri muAmerica nehurumende yaVaMugabe vakaimba nzimbo dzakawanda kusanganisa vana Marima Nzara, Mamvemve, Mukoma J nedzimwe.
VaMpfumo vati handi chokwadi change chichitaurwa kuti anenge ari kuZimbabwe Grounds nemusi weMugovera. Asi Mapfumo vanoti vane hurongwa hwekuzodzokera kuZimbabwe mumwedzi unotevera.
Facebook Forum