Accessibility links

Breaking News

VaMandiwanzira naVaKangai Votatsurana neNyaya yeHuori kuNetOne


Supa Mandiwanzira
Supa Mandiwanzira

Vaimbova mukuru wekambani yeNetOne, VaReward Kangai, avo vari kupomera mhosva yehuori gurukota rezvehumhizha mukufambiswa kwemashoko, VaSupa Mandiwanzira, vanoti vaimbova mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, ndivo vaiita kuti nyaya dziri kupomerwa VaMandiwanzira dzisaferefetwe nekomisheni yeZimbabwe Anti-Corruption Commission kana kuti ZACC.

Hurukuro naVaReward Kangaii
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hatina kukwanisa kubata Amai Mugabe kuti tinzwe divi ravo.

VaMandiwanzira vanonzi vaipinza hama dzavo mabasa uye kupa mari yakawanda kumakambani avaidyidzana navo kusanganisa ekuChina zvinova zvaityora mutemo.

Asi VaMandiwanzira kuburikidza negweta ravo, VaBrian Hungwe, vari kuramba nyaya iyi vachiti ivo VaKangai ndivo vaiita zvehuori zvakapa kuti varasikirwe nebasa.

Hurukuro naVaReward Kangai
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vati VaKangai vakatoendeswa kumatare nenyaya yekusvibisa VaMandiwanzira vachivazora mafuta enguruve yavasina kudya.

VaKangai vanoti kubva muna 2016 vaiendesa nyaya idzi kuhofisi yevaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuburikidza nemunyori mukuru wedare remakurukota, Doctor Misheck Sibanda, asi hapana chakabuda.

Asi vatiwo svondo rapera vakapihwa tsamba nemuchuchusi mukuru wehurumende, VaRay Goba, kuti nyaya yavo yainge yaendeswa kuZACC kuti iongorore.

Komishina vanoona nezvekuferefeta nyaya dzehuori muZACC, VaGoodson Nguni, vaudza Studio7 kuti nyaya idzi dziri kuferefetwa uye vakasununguka kupindura nemusi weChishanu nekuti pane zvichaitika.

Asi havana kuda kutaura kuti chii chichaitika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG