Mutauriri weZanu-PF mudunhu reMasvingo, VaRonald Ndava, vanoti sachigaro wedunhu iri, VaEzra Chadzamira, avo vanonzi vakambomiswa basa nenyaya yekuita zverusarura rwemarudzi nekukonzera kusagadzikana mubato, vachiri pabasa nekuti havana kusumwa zviri pamutemo.