Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yokurukurwa kuMusangano weAfrican Commission on Human Rights


Zimbabwe yange iri mugango kumusangano weAfrican Union unoona nezve kuchengetedzwa kwekodzero dzevanhu kana kuti African Commission on Human and People’s Rights uyo uri kupembererawo makore makumi matatu Africa yatanga boka rinoona nezvekodzero dzevanhu iri.

Nyaya dzakazeyiwa pane zviri kuitika muZimbabwe inyaya yehurumende yekudzinga vanhu papurazi reManzou kuMazowe kuti ripihwe mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, uye nyaya yekudzingwa basa zvisina kujeka kwemuchuchisi mukuru wehurumende, VaRay Goba.

Mumakore apfuura Zimbabwe ndiyo inonzi yaigara iri mudariro ichipomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevanhu asi zvinonzi zvave nanu.

Nyaya yekudzingwa basa kwaVaGoba yange ichinzwikwawo mudare repamusoro nhasi muHarare mushure mekunge sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights, ZLHR raendesa mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, neJudiciary Servces Commission vachiti vakatyora bumbiro remutemo.

Masangano akawanda ekuZimbabwe anorwira kodzero dzevanhu, kusanganisa ZLHR, ari kumusangano uyu.

Hurukuro NaVa Arnold Tsunga
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG