Accessibility links

Kutsigira Mutongo weRufu Kwakaitwa naVaMugabe Kokonzera Mutauro

  • Blessing Zulu

death-penalty

Mashoko emutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemusi weChitatu ekuti vanoda kuti mutongo werufu utevedzerwe zvizere yakonzera mutauro munyika.

VaMugabe vakataura mashoko aya kumarinda eHeroes Acre mushure mekunge mumwe mutenderi weRoman Catholic, Sister Ruvadiki Plaxedes Kamundiya kwaMutoko, mudunhu reMashonaland East.

Murume anofungidzirwa kuti ndiye akaponda Sister Kamundiya akatosungwa. VaMugabe vanopindawo chechi yeRoma.

Kubva muna 2005 hakuna munhu ati aurayiwa kunyangwe hazvo kuine vanhu vanosvika makumi masere vakamirira kuurayiwa.

Parizvino bumbiro remutemo rinoti vanhurume chete vari pakati pemakore makumi maviri nerimwe nemakumi manomwe ndivo vanourayiwa vakatongerwa rufu.

Asi pave nemakore akawanda pasati paurayiwa munhu munyika nekuti kana munhu wacho anouraya vanhu ange asipo.

Asi ikozvino hurumende inoti iri kutsvaga munhu anoita basa iri.

Dzimwe nyika dzekuchamhembe kweAfrica dzakabvisa mitemo yekutongera vanhu rufu dzinosanganisa Mozambique, Angola, Namibia neSouth Africa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG