Accessibility links

Breaking News

General Chiwenga Vanoti Zanu-PF Yokonzera Kusagadzikana Munyika


General Constantine Chiwenga
General Constantine Chiwenga

Mukuru wemauto, General Constantine Chiwenga, vaita musangano nevatori venhau muHarare vakayambira bato reZanu-PF kuti risarambe richikonzera kusagadzikana munyika nekudzinga varwi vehondo yerusununguko mubato iri.

VaChiwenga vati musangano uyu wapindwa naPongwe uye pane vari kuda kuparadza bato nechemukati.

VaChiwenga vati nekunetsana kuri muZanu-PF, hakuna kana chaitwa munyaya dzezvehupfumi kwemakore mashanu apfura. Vati izvi zvapa kuti vanhu vashaye mari uye mitengo idhure.

General Chiwenga vashora vamwe vakuru muZanu-PF avo vati vanoshora vakuru vemauto.

VaChiwenga vati vasina zvido zvechimhurenga vari mubato iri vanofanira kudzingwa uye vatiwo bato iri rinofanira kubvumidza vanhu kuti vakwikwidze paextraordinary congress vakasungunuka.

Vatiwo mauto haasi kuzoregedza bato richitorwa nevatengesi. Vamwe vanoti zviri kutaurwa naVaChiwenga kutyora bumbiro remutemo sezvo mauto asingafanire kupindira zvachose munyaya dzezvematongerwo enyika.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaJoy Mabenge, avo vanoshanda nesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition kuchamhembe kweAfrica, vanoti zvinhu zvisingakurudzirwe kuti mauto apindire munyaya dzematongerwo enyika..

Mutauriri weZanu-PF, VaSimon Khaya Moyo, vaudza Studio kuti havana kunge vanzwa zvataurwa naVaChiwenga asi vakati kana vataura zvavataura nyaya inenge yotoda kuti VaMugabe mbune vapindire.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG