Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanopotera kuSouth Africa


VaEmmerson Mnangagwa .
VaEmmerson Mnangagwa .

Vaimbove mutevedzeri wemutungami wenyika, VaEmmerson Mnangwagwa, vanonzi vanyora tsamba kuvatori venhau vachiti vabuda munyika vachityira hupenyu hwavo.

Mumashoko aya atsinhirwawo nevatori venhau uye vamwe vari pedyo navo, VaMnangagwa vati hupenyu hwemhuri yavo nehwavo huri panjodzi kubva kuvanhu vavati vakamboyedza kuvauraua nemuchetura.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti vamboenda kunopotera kuSouth Africa. Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa, Senior Assistant Commissioner Charity Charamba, sezvo vanzi vange vari mumusangano.

Mutsamba iyi, VaMnangagwa vanoti bato reZanu-PF rave kuita kunge humambo hwemhuri yaVaMugabe chete. Vatiwo ikozvino yave nguva yekuti vanhu vamire kunamata vamwe vanhu vanoda kuzviita vanaMwari.

Vati bato reZanu-PF rapindwa navanapongwe uye mumashoko anoratidza kuti vanogona kuumba bato ravo voga nevamwe vakadzingwa, VaMnangagwa vati vachadzoka munyika munguva pfupi inotevera kuzotungamira Zanu-PF chaiyo chaiyo kwete yazara vanhu vasina nhoroondo yehondo.

Vesangano revakarwa hondo yerusununguko reZimbabwe National Liberation War Veterans Association, VaVictor Matemadanda, vaturawo mashoko kuvatori venhau vakati ivo vatodzingavo VaMugabe mubato reZanu-PF vachiti kuhondo vakatozouya vakawanda vavari kudzinga vatovepo.

Vatiwo VaMugabe vauraya bato reZanu-PF vakati havasi kuzosiya bere rakarindira chitunha.

Bato reZanu-PF rinonzi rave mushishi kutsvagawo nzira dzekudzinga makurukota ehurumende ose uye nhengo dzebato iri dzinofungidzirwa kuti dzinotsigira VaMnangagwa.

Vari kunzi vadzingwe vanosanganisa gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu VaJoram Gumbo, gurukota rezvevasori VaKembo Mohadi, gurukota rezvehumhizha hwekusora VaPatrick Chinamasa, gurukota rinoshanda muhofisi maVaMugabe VaChris Mushowe nevamwe.

Nyazvi munyaya dzezvehupfumi, VaJoy Mabenge,avo vanoshanda nesangano reCrisis in Zimbabwe kuchamhembe kweAfrica, vanoti zvinonetsa kuti kana VaMnangagwa vakaumba bato ravo vangawane rutsigiro.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti vamwe vakarwa hondo yerusununguko vari kuda kuti VaMnangagwa vabatane nevamwe vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika Amai Joyce Mujuru kuti vakiwkwidzane naVaMugabe nevamwe musarudzo dzegore rinouya.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG