Nyaya yekunyoresa kuvhota kwevanhu vane vabereki vasina kuberekerwa muZimbabwe vanonzi ma Aliens iri kuramba ichitemesa musoro vakawanda sezvo paine kunakurirana nyoka mhenyu pakati pemapazi akasiyana siyana ehurumende, sangano reZimbabwe Electoral Commission, ZEC, uye mapato ezvematongerwo enyika.
Vamwe vanhu vane zvitupa zvinoratidza kuti vabareki vavo havana kuberekerwa muZimbabwe zvakanzi Alien kana kuti NCR vanoti vari kukundikana kuti vanyorese kuvhota.
Sachigaro weZimbabwe Electoral Commission, Amai Rita Makarau, vanoti ivo havanei nechekuita nenyaya iyi sezvo riri basa ramabharani mukuru wehurumende kana kuti Registrar General, VaTobaiwa Mudede.
Studio 7 yabatawo VaMudede avo vati hapana munhu anonyoresa kuvhota aine chitupa chakanzi alien.
Asi VaMudede vati havasi kuzovandudza mutemo kuti vanhu ava vanyorese kuvhota nechimbi chimbi.
Gweta, uye vari nhengo yePolitburo yeZanu-PF, VaMunyaradzi Paul Mangwana, vatiwo vose vakaberekerwa muZimbabwe asi vaine vabereki vanobva munyika dziri muSADC vanofanirwa kupihwa zvitupa zvitsva nehofisi yaVaMudede.
VaMangwana vati vanotenderana nezviri kutaurwa naVaMudede pamatanho anofanira kutorwa nevanhu vane zvitupa zvakanzi alien kuti vakwanise kuvhota.
Asi mutungamiri webato rePeople’s Democratic Party, vari gweta, VaTendai Biti, vati zviri kuitwa naVaMudede neZEC ndezvemugotsi matsuro.
Mashoko aya atsinhirwawo nemunyori mukuru muMDC-T, VaDouglas Mwonzora.
Nekunetsana uku, magweta mazhinji audza Studio7 kuti zvakakosha kuti vari kunzi ma aliens ava vaende kuhofisi yaVaMudede vagadzirise mapepa avo asi zvikanonoka vonanga kumatare.
Facebook Forum