Accessibility links

Breaking News

Mabhanga Oyambirwa Kuendeswa kuMatare neNyaya yeMari dzeVanhu


VaTendai Biti
VaTendai Biti

Vaimbova gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vanoti vanhu vanokwanisa kuenda kumatare kana vemabhanga varamba vakatsika madziro vachivanyima vanhu mari dzavo.

Mashoko aya anotevera zvakataurwa nemutungamiri wesangano reBankers Association of Zimbabwe, BAZ, Doctor Charity Jinya, zvekuti vemabhanga havachakwanise kupa vanhuwo zvavo mari dzavo sezvo vari kutanga vapa vemakambani anotengesa zvinhu kunze kwenyika sezvo vasina mari yema bond notes kana imwe mari yekunze.

Doctor Jinya vanoti vanhu ngavatenge nemaATM cards ayo anonzi nevamwe haasi kushanda zvakanaka pane dzimwe nguva uye vezvitoro vachidhurisira vanoashandisa.

Asi VaBiti vanoti vari kushamisika kuti veBAZ vanodei pahuku yemweni nekuti dambudziko rekushomeka kwemari riri pakati pehurumende yakatora mari idzi kumabhanga mevanhu vacho.

Vashora zvikuru vaimbova gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vachivapomera mhosva yekungotora mari dzevanhu vachiita mabasa ehurumende.

Mashoko aVaBiti atsinhirwawo nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachionawo nezvevadzidzi kana kuti Dean of Students paZimbabwe Ezekiel Guti University, Doctor Gift Mugano.

Doctor Mugano vanoti mari iri kutenderera munyika haikwane. Vanotiwo vanhu vakawanda vave kuona zvisina kukodzera kuenda kumabhanga nekuti havadi kufambira dhongi rakaora.

Asi mukuru weConfederation of Zimbabwe Industries, VaSifelani Jabangwe, vanoti nemaririro akaita zvinhu zvakakosha kutanga kubatsira vemabhizimisi.

Vamwe vanhu vaudza Studio 7 kuti mabhanga akaita seStandard Chartered akavanyorera tsamba achiti vainge vobvumirwa kutora mari inosvika chiuru chimwe nemazana mashanu pamwedzi kwete pavhiki sezvaitwa kare kana vari kunze kwenyika.

Asi vanoti ikozvino makadhi acho hasi kushanda zvachose.

Gavhuna webhanga guru renyika, Doctor John Mangudya, vakazivisa kuti Zimbabwe yainge yawana chikwereti chemari inosvika madhora zviuru mazana matanhatu kubva kubhanga reAfriexim Bank.

VaMangudya vakati mari iyi ichabatsira zvikuru kupedza dambudziko remari munyika.

VaJabangwe vanoti vanotarisira kuti zvinhu zvichaita nani kana mari iyi yauya.

Asi VaBiti uku kupedzera nguva kuteya nzou neriva nekuti mari iyi ishoma zvikuru.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti kuti dambudziko iri ripere, Zimbabwe inofanira kugadzira zvinhu zvekutengesa kunze kwenyika, kumisa nyaya yehuori, kukwezva vekunze uye hurumende inofanira kumira kushandisa mari yaisina.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG