Accessibility links

Breaking News

Amai Mujuru Voparura People’s Rainbow Coalition neMugovera


Amai Mujuru Vachaparura People's Rainbow Coalition Nemusi WeMugovera.
Amai Mujuru Vachaparura People's Rainbow Coalition Nemusi WeMugovera.

Vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, vanoti vari kuparura neMugovera zviri pamutemo mubatanidzwa wavakaumba nemamwe mapato mana anovatsigira unonzi People’s Rainbow Coalition kana kuti PRC.

Izvi zviri kuitirwa kuBulawayo.

Mapato ari mumubatanidzwa uyu anoti reNational People’s Party raAmai Mujuru vacho, chimwe chikwata chePeople’s Democratic Party, Zimbabwe Union of Democrats kana kuti ZUNDE uye Dare.

Uyu mubatanidzwa wechitatu wemapato anopikisa sezvo patori neMDC Alliance uye Coalition of Democrats.

Hurukuro NaAmai Joice Mujuru
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG