Gavhuna webhanga guru renyika, Doctor John Mangudya, vanoti vane chivimbo chekuti America ichabvisa mari yezvirango iri kunzi ibhadharwe nebhanga reCBZ iro rinonzi rakatyora mutemo weAmerica une chekuita nezvirango zvakatemerwa vamwe vakuru vehurumende muna 2003 vachipomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevanhu.
Hofisi yeUnited States Treasury’s Office of Foreign Assets Control kana kuti OFAC inoti CBZ yakatyora mutemo sezvo yaibatsira vanhu vebhanga reZB iro rainge rakatemerwa zvirango.
OFAC yakatanga yati CBZ ibhadhare mari inosvika mabhiriyoni matatu nezviuru mazana masere zvemadhora asi mari iyi ikazodzikiswa kusvika pamamiriyoni mazana matatu nemakumi masere nemashanu emadhora mushure mekuchema chema kwakaita CBZ.
Doctor Mangudya vati vane chivimbo chekuti mari iyi ichabviswa yose asi vashora zvikuru nyaya yekutemerwa zvirango kwevamwe muhurumende pamwe nemakambani anodyidza nehurumende yeZimbabwe vachiti zvinokanganisa nyaya yemabhizimisi.
Asi gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaDewa Mavhinga, vaudza Studio7 kuti Zimbabwe haingaudze America zvekuita maererano nekudyidzana kwenyika mbiri idzi.
Vati zviri kuAmerica kuona kuti zvirango zvobviswa here ichionawo nyaya yekuremekedzwa kwekodzero dzevanhu.
Facebook Forum