Accessibility links

Breaking News

Kunetsana muZanu-PF Koitisa Zvinhu Manyama Amire neRongo


Amai Grace Mugabe naVaEmmerson Mnangagwa
Amai Grace Mugabe naVaEmmerson Mnangagwa

Vanoona nezvekurongwa kwemabasa mubato reZanu-PF uye vari gurukota rezvemari, VaIgnatiuos Chombo, vaudza Studio 7 vachazivisa nyika neChishanu nezvematanho achatorwa nebato ravo panyaya yekuita kongiresi yechimbi chimbi kana kuti extraordinary congress.

Dare Politburo rebato rakati matunhu ose azeye nyaya iyi uye zvinenge zviri kubuda pachena kuti matunhu aya akazvitambira kuti paitwe musangano wekongiresi yechimbi chimbi.

Kongiresi iyi inoitirwa muHarare muna Zvita.

Vakawanda vanoti nyaya yekuti ndiyani achatungamira bato iri kana mutungamiri waro, VaRobert Mugabe, vasiya chigaro ndiyo yapa kuti vakawanda vatsenge mhandire nemavende.

Vamwe vari kuda kuti bumbiro rivandudzwe pave nevatevedzeri vemutungamiri vaviri mumwe ari mudzimai.

Vamwe vanoti ngapaitwe vatevedzeri vatatu.

Asi vamwe munyika vanoti kunetsana uku kwave kupa kuti matambudziko enyika adzike midzi vanhu vachirwira chigaro.

Nhengo yeZanu-PF inomirira Buhera South mudare reparamende, VaJoseph Chinotimba, vanoti kushanda kwehurumende kwakasiyana nekwebato reZanu-PF.

Nhengo yeMDC-T, VaPishai Muchauraya, vanoti zviri pachena kuti panorwa nzou huswa hunotsokodzerwa nekudaro kunetsana muZanu-PF kwave kukonzerawo matambudziko munyika.

Hurukuro naVaJoseph Chinotimba naVaPishai Muchauraya
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG