Accessibility links

Amai Mujuru Vanoti Vakasungunuka Kushanda naVaMnangagwa

  • Blessing Zulu

Amai Joice Mujuru

Vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, avo vave kutungamira mubatanidzwa wemapato anopikisa wePeople’s Rainbow Coalition, vanoti kudzingwa kwemumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuri kuburitsa pachena kuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ndivo dambudziko.

Amai Mujuru vanoti munhu wose anenge oda kudzingwa mubato reZanu-PF anozorwa mafuta enguruve yaasina kudya achinzi ari kuda kupandukira VaMugabe.

Pakadzingwa Amai Mujuru muna 2014, VaMnangagwa vakavashora zvikuru vachiti vainge vachida kuuraya VaMugabe.

Asi Amai Mujuru vanoti vakasununguka kushanda naVaMnangagwa kanawo munhu wose anoda hutongo wejekerere.

Amai Mujuru varambawo nyaya dzavari kuramba vachipomerwa naVaMugabe dzekuti vaironga kuvabvisa pachigaro nechisimba vachiti dai chiri chokwadi vakakandwa mujeri kare.

Amai Mujuru vanoti vari kufambira mberi nezvirongwa zvavo zvekuti vakwikwidzane naVaMugabe musarudzo dzegore rinouya.

Zvichakadaro, kudzingwa mubato kwaVaMnangagwa kunonzi nevamwe vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika kunogona kusiya bato reZanu-PF ranyanya kuita zinyekenyeke.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfiumi dzichitiwo hakuna zvakunobatsira mukugadzirisa dambudziko rezvehupfumi hwenyika uho hwaenda kumawere.

Nyayawo yekuti ndiyani achatora chigaro china VaMugabe inonzi ichangosarawo isina kujeka kunyangwe Amai Grace Mugabe vakapihwa chigaro chaVaMnangagwa sezviri kutarisirwa pakongiresi yemuna Zvita yebato iri.

Vaimbova sachigaro weZanu-PF Youth League mudunhu reMashonaland Central, VaVengayi Musengi, vanoti kudzingwa kwaVaMnangagwa kuchasiya bato reZanu-PF richitatarika.

Asi mutevedzeri wasachigaro wechimwe chikwata chevakarwa hondo chinonzi chinotsigira VaMugabe, VaGeorge Mlala, vati hapana chitsva pakudzingwa kwaVaMnangagwa sezvo zvagara zvichiitwa kune vanorasika gwara remusangano.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG