Accessibility links

Breaking News

Amai Mugabe Vobvuta Zvakare Dzimwe Dzimba dzaVaAhmed


Zimbabwe First Lady
Zimbabwe First Lady

Kunetsana kunotyisa pakati pemudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, neimwe shoroma yekuLebanon, VaJamal Joseph Ahmed, panyaya yechishongo kana kuti ring iri kuenderera mberi mumatare.

Amai Mugabe vanoti vakatenga ring inodarika miriyoni imwe chete nezviuru mazana matatu zvemadhora kubva kuna VaAhmed muna 2015 asi havana kufara nemhando yepasi yavanoti yakagadzirwa.

Vakabva vati vave kuda kudzoserwa mari yavo izvo zvaunza kunetsana uku.

VaAhmed vakati vanogona kudzosa mari iyi zvishoma nezvishoma kuZimbabwe asi Amai Mugabe vaida kuti mari iyi iiswe yose kubhanga rekuDubai.

Amai Mugabe kuburikidza negweta ravo, VaWilson Manase, vakakwira kudare repamusoro nemusi weChipiri vachiti vave kuda kuti vabvumidzwe nedare kutengesa dzimba shanu dzaVaAhmed muHarare dzinoti iri pa number 409 Harare Drive kuPomona kuBorrowdale, 18 Cambridge Road ne 75 King George Road kuAvondale, nedzimwe mbiri dziri kuBorrowdale idzo vakatorazve nechisimba mushure mekunge VaAhmed vakwira kudare painge patorwa nhatu dzekutanga.

Mudzimai wemutungamiri wenyika anotiwo ari kuda kutora hupfumi kana kuti shares mumabhizimisi aVaAhmed ari mumakambani anoti Thatchfree Investments, Zulaf Investments uye Super Earth Properties.

Amai Mugabe vakatenga ring yavo kuburikidza nekambani yeThatchfree iri kuDubai.

Pari zvino mapurisa nevesangano revasori vari kugara padzimba shanu dzaVaAhmed dzavanonzi vakatora nechisimba.

Gweta raAmai Mugabe, VaWilson Manase, vanoti bhanga reCBZ ndiro rakabhadhara mari iyi.

VaAhmed vanoti vakatyisidzirwa nerufu nekudaro havakwanise kudzokera kuZimbabwe.

Gweta ravo Amai Beatrice Mtetwa vaudza Studio7 kuti havasati vaona mapepa ekumatare aAmai Mugabe sezvo akaendeswa kune imwe imba yaVaAhmed yekuBorrowdale iyo yakatorwa nechisimba.

Amai Mtetwa vati vachanotora mapepa acho kudare repamusoro reHigh Court mangwana vozoona kuti votora danho ripi.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachishanda nesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaJoy Mabenge, vanoti zvinoshamisa kuti mari yekutenga zvishongo zvinodhura kudai inobva kupi munyika isina mari mumabhanga seZimbabwe.

Hurukuro naVaJoy Mabenge
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG