Accessibility links

Breaking News

Mhirizhonga Yoenderera Mberi Apo Nyika Yogadzirira Sarudzo


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Mapato anopikisa nemamwe masangano akazvimirira oga anoti mhirizhonga munyaya dzezvematongerwo enyika iri kuwedzera zvakanyanya.

Vanopikikisa vanoti vari kurohwa kana kutyisidzirwa nenhengo dzeZanu-PF asi mapurisa achiramba kusunga vanenge vapara mhosva.

KuChitungwiza svondo rapera nhengo dzeMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai dzaifamba dzichikurudzira vanhu kuti vavhote dzakarohwa zvakaipisia asi dzikaguma dzasungwa.

Masabhuku kune dzimwe nzvimbo anonzi ari kutyisidzirawo vanhu achitora nhamba dzemapepa avanenge vapihwa apo vanenge vanyoresa kuvhota vachiti vachazozivikanwa kuti vavhotera papi.

Vatori venhau nenhengo dzemasangano akazvimirira ago vanotiwo vari kurohwa nekushungurudzwawo.

Sachigaro weZimbabwe Electoral Commission, Amai Rita Makarau, vanoti vakapihwa mazita evamwe vanhu vanonzi vari kutyisidzira vanhu uye vakaaendesa kumapazi akasiyana siyana ehurumende kuti nyaya dzacho dziongororwe.

VaJason Zhuwawo vanotungamira Zanu-PF Team Live iyo inoona nezvekuburitswa kwemashoko pamadendemutande akaita seFacebook vanoti vanhu veMDC-T ndivo vari kukonzera mhirizhonga nekusvokosva veZanu PF.

Asi munyori musangano reMDC Youth Assembly mudunhu reHarare, VaDenford Ngadziore, vanoti Zanu-PF ine nhoroondo yekushungurudza vechidiki.

Hurukuro naVaJason Zhuwao naVaDenford Ngadziore
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG