Accessibility links

Masvingo Inoti VaChadzamira Vachiri paBasa

  • Blessing Zulu

Amai Grace Mugabe naVaEmmerson Mnangagwa

Mutauriri weZanu-PF mudunhu reMasvingo, VaRonald Ndava, vanoti sachigaro wedunhu iri, VaEzra Chadzamira, avo vanonzi vakambomiswa basa nenyaya yekuita zverusarura rwemarudzi nekukonzera kusagadzikana mubato, vachiri pabasa nekuti havana kusumwa zviri pamutemo.

Asi vanoona nezvekufambiswa kwemabasa ezvematongerwo enyika muZanu-PF, VaSaviour Kasukuwere, vakaudza bepanhau reChronicle neMugovera kuti vainge vatumira tsamba idzi kare.

Nyaya iyi inonzi iri kuratidza bata murefu bata mupfupi mubato pakati pevanonzi vanotsigira mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vechikwata chinonzi Team Lacoste, nevamwe vari kuchikwata chinonzi Generation 40 chinotsigirana naVaKasukuwere.

Vamwe vanofungidzirwa kuti ndeveTeam Lacoste vakamiswa basa vanosanganisirawo VaMayor Justice Wadyajena kuMidlands, vanoona nezvematongerwo enyika kubazi revechidiki kuMasvingo, VaBrian Munyoro, uye mutevedzeri wasachigawo wedunhu reMidlands, VaGoodwill Shiri.

VaChadzamira vati titaure nemutauriri wedunhu reMasvingo, VaNdava avo vaudza eStudio 7 kuti nyaya iyi vakatoionawo pamadandemutande.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG