Accessibility links

VaTsvangirai Votyira Kusagadzikana Kungangoitika muZimbabwe

  • Blessing Zulu

VaMorgan Tsvangirai

Mutungamiri webato rinopikisa reMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti matongero ave kuitwa nyika nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ave kupa kuti munyika muite kusagadzikana.

Vachitaura neStudio7 parunhare vari kuSouth Africa, VaTsvangirai vati vanhu vemuZimbabwe vanofanirwa kubatana kuitira kuti vabvise Zanu-PF pachigaro musarudzo dzegore rinouya.

VaTsvangirai, avo vati vava kunzwa zviri nani zvichitevera kurapwa kwavari kuitwa kuSouth Africa, vatiwo zvinhu hazvina kumira zvakanaka muZanu PF sezvo muine kudzingana uye kupumhana huroyi.

Vati zviri kuitika mubato iri munongedzo mukuru wekuti VaMugabe vari kukundikana kugadzirisa zviri kunetsa mubato ravo sematadziro avari kuita kugadzirisa zviri kunetsa munyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG