Accessibility links

Breaking News

Dzimwe Nhepfenyuro Dzinoti Mauto Atora ZBC, Asi Makurukota eHurumende Anoti Haana Ruzivo Nazvo


VaRobert Mugabe naGeneral Constantine Chiwenga muna 2008.

Nhepfenyuro dzeBBC, Aljazeera uye vanonyora nhau padandemutande veReuters vanoti mauto ari kutsigira mukuru wemauto General Constantino Chiwenga atora nhepfenyuro yeZBC muHarare.

Asi gurukota rinoona nezvekuchengetedzwa kwemukati menyika VaObert Mpofu vaudza Studio 7 kuti hapana chavati vanzwa kusvika parizvino nezvenyaya iyi.

Asi kuratidza kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka, mizinda yeAmerica neBritain muHarare yazivisa kuti inenge yakavhara mangwana sezvo zvinhu zvisina kugadzikana muZimbabwe. Zvinonzi izvi zvatevera kuputika katatu kwaitika muguta reHarare manheru emusi weChitatu asi pasina anoziva kuti chii chaputika.

Mutauriri wemauto Lieutenant Colonel Alphonso Makotore vaudza Studio 7 kuti itumire tsambambozha sezvo vasingakwanise kupindura mibvunzo pambozhanhare.

Hatina kukwanisa kuzobata gurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaSimon Khaya Moyo asi vambenge vati General Chiwenga vange vatyora bumbiro remutemo nekupandukira hurumende yakasarudzwa nevanhu.

Hapanawo ari kuziva kuti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nemhuri yavo vari kupi. Mutauriri waVaMugabe, VaGeorge Charamba vati vange vakarara.

Zvinhu munyika zvakatanga kuita manyama amire nerongo neMuvhuro mushure mekunge General Chiwenga vati vaizogona kupindira munyaya dzezvematongerwo enyika sezvo vainge vasiri kufara nekudzingwa kuri kuitwa varwiri vehondo yerusununguko mubato reZanu-PF.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG