Accessibility links

Terrens Muradzikwa Osarudzwa Kuenda kuOxford neZimbabwe Rhodes Selections Committee

  • Blessing Zulu

Dr Tariro Makadzange, Muzvinafundo Arthur Mutambara, Terrens Muradzikwa

Komiti yeZimbabwe Rhodes Selection Committee yakadoma Terrens Muradzikwa kuti apihwe bhezari rekuenda kuOxford.

Makwikwi aya akapindwa nevechidiki vanobva muZimbabwe, South Africa, Britain, America nedzimwe nyika.

Terrens uyo akakunda Zimbabwe yose pabvunzo dzeO level ne A level ari kudzidza paHarvad muAmerica pari zvino. Ainge aine 16 A's pabvunzo dzeO Level, uye 15 points paA Level.

Imwe nhengo yomiti iyi, Muzvinafundo Arthur Mutambara vanoti vadzidzi vakapinda muchirongwa chegore rino vane njere dzakapinza.

Terrens akadzidza kuMarist Brothers kuNyanga uye pari zvino ari kupeta zvidzidzo zvake zvehupfumi kana kuti economics paHarvard University.

Chirongwa cheRhodes Scholarships chakaparurwa muna 1903 pasi pechido chaCecil John Rhodhes chekuti nhaka yake yaizogoverwa sei.

Muzvinafundo Mutambara vanoti pakusarudza wekupa bhezari iri havangotarise zvidzidzo, asi kuti vanhu vanogonawo kutungamira uye zvemitambo.

Vazhinji vakapinda muchirongwa ichi vakazoita vatungamiri kusanganisa vaive mutungamiri wenyika yeAmerica VaBill Clinton naivo VaMutambara vakavawo mutevedzeri wemutungamiri wehurumende yemubatanidzwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG