Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Voenda Kumusangano Wavo weKutanga Kumawirira Vari Mutungamiri weNyika


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangawa vaenda kuDavos Switerland nhasi kumusangano weWorld Economic Forum kana kuti WEF uyo uri kutanga mangwana.

Musangano uyu unopindwa nevatungamiri venyika dzakabudirira nedzimwe dzichiri kubudirira.

Vaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vaisaenda kumisangano iyi nenyaya yekuti vainge vakatemrwa zvirango vachipomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevanhu.

Vanhu vaenda naVaMnangagwa vanosanganisa gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika Lt-Gen (Rtd) Sibusiso Moyo, gurukota rezvemari VaPatrick Chinamasa, gurukota rezvemaindustry Doctor Mike Bimha, chipangamazano muhofisi yaVaMnangagwa VaChris Mutsvangwa, munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaGeorge Charamba uye gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe Doctor John Mangudya.

Mukuru weZimbabwe Investment Authority VaRichard Mbaiwa ndemumwe wevemabhizimi vakatoenda kumusangano uyu kunoyedza kukwezva vekunze kuti vatange mabhizimisi muZimbabwe.

Mutevedzeri wemutungamiri weConfederation of Zimbabwe Industries VaCallisto Jokonya vanoti musangano uyu wakakosha zvikuru munyaya dzezvekusimudzira hupfumi munyika.

Hurukuro naVaCallisto Jokonya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG