Mutungamiri webato rinopikisa rePeople’s Democratic Party varizve nhengo yeMDC Alliance VaTendai Biti vanoti kumusangano weDavos, Switerland kwakaendwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnagagwa kunogona kusabuda chinhu kana Zimbabwe ikasavandudza mitemo yayo.
Mapepanhau ehurumende kunyaya ari kuti VaMnangagwa vari kubudirira zvikuru uye nyika dzose dziri kuda kutaura navo kumusangano uyu. Asi VaBiti vanoti zvimwe zviri kutaurwa nevehurumende ndezvemugotsi matsuro uye gudzira mukanwa.
Vati kana Zimbabwe ichida kukwezva vemabhizimisi vekunze inofanira kuvandudza mitemo yayo yakawanda uye kuita sarudzo dzakachena dzinotambirwa nenyika dzepasi rose.
Asi VaBiti vati nemaziviro avo ebato reZanu-PF kuda kuriti richinje maimbiro kupedzera hoko padehwe retsindi. VaBiti ndivo vaive gurukota rezvehupfumi muhurumende yemubatanidzwa.
Facebook Forum